Rudunhumwe
Muzvidzidzo zvinoti: taranyika; jekanyika; fundoyetsimba, rudunhumwe (universe) izwi rinodudza kuhwerengedzwa kwezvinhu zvose zvakasikwa zvikurusei zvinozivikanwa. Rudunhumwe runobata nokusanganisira: sebhe dzose (matter kuEnglish); simba; nyeredzi; nyenyedzi; nguva nenzvimbo yomuchadenga.
[chinja] Kupiwa kwezita
Zita iri rapiwa richicherechedza kuti icho chinonzi Universe kuEnglish idunhu rimwe rine mamwewo matunhu anopatsanurwa mariri. Nyangwe zvaro rine zvikamu zvizhinji nemapoka mazhinji, rudunhumwe idunhu rimwe rine mitemo yaro, nekudyidzana kwezvinhu zvirimo. Iko kudyidzana kwezvinhu murudunhumwe hakusati kwapera kuongororwa nyangwe naivo ana mazvikokota vanofunda chikamu chemitumbi iri muchadenga; kana nemiganhu yerudunhumwe hapana chaiye anoziva kuti inogumira kupi.
Chakakosha pakupiwa kwezita iri ndiko: kugonawo kutaura nerurimi rwedu zvinhu zvikuru, zvinoshamisa, zvisina mukare wakamboona akatizuwira kuti kwakadai kumatenga kuziyenda-nakuenda uko.
Rudunhumwe runobatawo nyika ino yatinorarama pairi nechadenga chatinoona zuva nenyeredzi.