Nyeredzi

From Wikipedia
Jump to: navigation, search
Planets are us.png

Muzvidzidzo zvinoti: taranyika; jekanyika; fundoyetsimba, nyeredzi izita riri kutorwa kumirira anonzi planets kuEnglish anova mitumbi inopoterera zuva. Nyeredzi imwe neimwe ine boterekwa rainofamba mariri ichipoterera zuva.

Mukutaura kwemazuva ose, nyeredzi ndidzo nyenyedzi. Nokuda kwekuti mutauro wedu utambanuke kutaura zvakawanda mazwi maviri aya asiyaniswa. Nyeredzi dzinosanganisira mitumbi inoti: Earth; Mars; Jupiter; Mecury; Venus; Saturn, Uranus neNeptune.. Idzi ndidzo nyeredzi dzine maboterekwa anopoterera zuva ratinoona rinobuda nokunyura panyika yatigere. Kubatanidzwa kwenyeredzi idzi pamwe nezuva kunodanwa kuEnglish kunzi Solar System - kuShona tichati Gumbapamwe reMushana, iro izwi rokuti mushana richimirira zuva ratinozambira panyika.

Mutumbi wePluto waimboshevedzerwa kunzi nyeredzi asi zvakazoshandurwa neInternational Astronomical Union. Iye zvino Pluto yakushevedzerwa kunzi nyeredzi diki (dwarf planet).