Nyati

Kubva Wikipedia
Nyati

Nyati (Buffalo in English) imhuka yemusango iri mumhuri yemombe. Nyati dzinowanikwa muziwumbe reAfrica pamwe neAsia. Nyati dzinokura kuita huremu hunosvika 685 kg. Dzinoreba 2.1-3.4m kubva kumusoro kusvika kubesu, pamapendekete dzichireba 1.3-1.7m. Mhuka iyi ine makumbo makobvu akasimba samare, uye ine nyanga dzinopetera kupinda mukati. Mikono inoita nyanga dzinobatana pakati.

Musambara zvinoreva hurefu huripo kubva pahuma kusvika pabesu panotangira muswe wemhuka.

Magariro[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Nyati dzinowanikwa mumasango nemapani eAfrica. Mhou nevana vadzo pamwe nemikono ine makore 2-3 dzinogara mumatanga anokwanisa kukura kusvika chiuru (1000) chemhuka. Mhuka dziri mudanga iri dzinochengetana dzichiita chirwirangwe chokuti kana danga reshumba rinodzinganiswa rikashaya chokubata. Mikono yakura inogara mumapoka angaita mhuka 3-4. Nyati dzinofura sora nokudya rimwe bundo rakasiyana-siyana. Dzinonwa mvura kamwe pazuva saka dzinonyanya kugara pedyo nepane mvura.

Kuberekana[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Nyati inotakura pamuviri kwemazuva 340 ichizvara mhuru imwechete (1) ingaita huremu hunosvika 40kg. Mhuru idzi dzinohwandiswa mubundo kuti dzisawonekwa nechikara chesango. Panguva iyi mhuru inoyamiswa namai vayo kwemavhiki akati ichizorumurwa pamazuva 120-360. Mikono inoti kana yasvitsa makore maviri inosiya amai vayo asi nzvari dzinogara naamai vadzo kudzamara dzabereka mhuru. Mikono inoyaruka zvokubereka pamakore manomwe (8), nzvari dzichiyaruka pamakore mashanu (5). Nzvari dzinotandwa nemikono chero nguva yegore asi kutandwa kuzhinji kunoitika mumwaka wekunaya kwemvura.

Vavhimi veNyati[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Nyati inovhimwa nevanhu muno muAfrica. Kana dziri mhuka dzesango: shumba; mapere nembada ndidzo mhuka dzesango dzinovhima nyati. Zvinotora danga reshumba kuti mukono wenyati uwire pasi; shumba imwe haizvikwanise; kana napo iro danga reshumba rinenge ramboshupika richimbodzinganiswa nenyati huru. Mapere nembada zvinonyanya kuvhima zvichitsvaka kubata mhuru dzenyati.

Kune marudzi enyati maviri muAfrica. Kune nyati inogara mumapani inonzi Cape Buffalo; iyi ndiyo inownaikwa muZimbabwe. Kunoitawo imwe nyayi diki zvishoma inogara mumasango inonzi Forest Buffalo.

Mamwe Mazwi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Pfura kana bvura (loose skin under animal's chin) kureva ganda rakarembera pamutsipa wemhuka.

Tsumo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Uswa hwenyati ndohuri'mudumbu huri pamuromo inofa nahwo.

Mitauro yeChiBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • VaHerero vanoti onyati (buffalo) kureva nyati. VaNgala vanoti mpakasa (n. buffalo) kureva nyati.
  • VaGiryama vanoti nyahi (buffalo) kureva nyati. VaGungu vanoti mpeta (cape buffalo) kureva nyati.
  • VaWabo vanoti nari (n. buffalo) vachireva nyati. VaLomwe vanoti enari (n. buffalo) vachireva nyati.
  • Lomwe inoti enari (n. buffalo) vachireva nyati. Lozi inoti nali (n. buffalo) vachireva nyati.