Fosi
Muchidzidzo chefundoyetsimba, Fosi (Force) kusvudzira kunoita kuti mutumbi ushanduke mukufamba hwako, murudzivo rwahuri kufamba kana kuti mukuumbwa hwako. Izvi zvinoreva kuti fosi inokonzeresa chinhu chine huremu kuti chishanduke muchacha hwacho (zvichisanganisa kutanga kufamba kwacho mukubva kumira), i.e. rufangu, kana kuti inokonzeresa mitumbi usina kusimba kuti ushanduke mukuumbwa kwahwo. Fosi inogona kutsanangurwa nemazano akapusa sekusunda kana kuzvuva. Fosi ine zvose hukuru nerudzivo zvichireva kuti fosi ivhekita. Mutemo wechipiri waNewton, F = ma, pahwakatanga kunyorwa hwakanga hwakati siyanei zvishoma, asi mumashoko akafanana: mutemo wakanyorwa naiye Isaac Newton hunoti fosi ikuru (net force) inoshanda pane mutumbi hwakatsazana nereti yekushanduka kwemomendamu (momentum).
Fosi inopimwa nechiyero chinonzi Newton (N). Mutemo wechipiri waNewton unoti fosi ine tsazaniso inoti
- Fikuru (net) yakamirira fosi inoyerwa mumaNewtons
- m yakamirira huwandu hunoyerwa mumakg
- a yakamirira rufangu runoyerwa muma(m/s2)
