Mushonga

Kubva Wikipedia

Mushonga (chemical in English) ungava mushonga wokurapisa kana unoshandiswa mune mamwe mabasa pamusha kana muhushangazhi. Muchidzidzo chemishonga kana nemvura nemweya watinofema unopindawo pamupanda wemishonga.

Kutsauranisa Mashoko[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Shoko rokuti muchetura rinonyanya kushandiswa kutaura mushonga unouraya, kukora kana kukuvadza uchinge waiswa pachikafu chokudya. Kuchetura zvinoreva kuisira munhu mushonga muchokudya.
  • Shoko rokuti chefu rinotaura mishonga inokuvadza kusanganisira: muchetura; nemiwme mishonga yokufemba kana kufema.
  • Kupinga zvinotaura mushonga unoshandiswa kudzivirira chirwere chisati chatanga - immunization inganzi imhando yokupinga.
  • Fumbo (Medicine to produce unconsciousness).
  • Rufimbi (ansesthetic).
  • Hwanga kana kuti uroyi mushonga unoshandiswa kukuvadza vamwe.
  • Rukata (medicine ground and strewn on coals to prevent sickness).
  • Muchidzo kana muchidza (remedy e.g. for cough or difficult situation).
  • Murimo (Herbal medine, generally liquid).
  • Muti.
  • Mutombo (chemical) apa kureva mushonga.
  • Mupfumbwe (poison in powder form).
  • Mbandani (poison dissolved in liquid form).
  • Mushonga Mbarikwa kana mishonga mubarikwa (Generic medicines or drugs)???. Mishonga uyu imbarikwa: this is a generic drug. Kana mushonga uri mbarikwa kureva kuti wakagadzirwa uchitodzana neumwe wagara uripo, asi une musiyano zvishoma. Mazwi aya haako kuChishona semashandisirwo ari pano - uku kuzama kuumba mutauro chete.

Kurerutsa Mutauro[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Mombe dzakadya chepfu ndokufuma dzakati chinjinji: the cattle ate poison and in the morning they were Iying dead with legs in the air.
  • Mazwi ekuti shongwe, kushongedza anodaro achibva padzitsi rimwero nokuti mushonga.

Tsumo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Mushonga haubati pasina ronda. Medicine does not work where there is no wound.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Mang'anja vanoti mankwala (n. physic - any medicine or drug). Mang'anja vanoti kuchiriza (v. cure) vachireva kuporesa.
  • VaNyungwe vanoti mankhwala (remedy). Sangho vanoti londa (n. formula). VaBukusu vanoti kámaasúúswa (n. medicine).
  • VaLenje vanoti wuanga kana wanga (drugs, medicines, poison). Mamwe mazwi: musamo (drug, medicine). Swahili vanoti unga (Powder).
  • Kikongo vanoti songesa (v. rectify, make or prove right, to correct, revise, vindicate). Mamwe mazwi: songa (justice, uprightness, rectitude, correctness, integrity, virtue, honesty, propriety).
  • Luganda vanoti eddagala (n. Chemical).