Mhofu

Kubva Wikipedia

Mhofu (Eland in English) imhuka yemusango inowanikwa kuMabvazuva nekuChamhembe kweAfrica. Mumhuri yenhoro dzinowanikwa muAfrica, mhofu ndiyo mhuka huru. Matongo emhofu ndidzo nyika dzinoti: Botswana, Burundi, Congo, Ethiopia, Kenya, Lesotho, Malawi, Mozambique, Namibia, Rwanda, South Africa, South Sudan, Swaziland, Tanzania, Uganda, Zambia neZimbabwe. Rimwe zita remhofu rinonzi nhuka.Vanhu vanoera mhuka iyi ndivo vanaShava Mwendamberi,vakadzi vanonzi anaChihera. AnaMusiyamwa ndivozve vamwe anaMhofu.

Tsika[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mhukarume izita remhuri rekuzvirumbidza rinowanikwa muZimbabwe.

Mhofu ndiyo mhuka inova mutupo wevayera shava, uye iyo ishava paruvara.

Mamwe Mazwi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Pfura kana bvura (loose skin under animal's chin) kureva ganda rakarembera pamutsipa wemhuka.

Mazwi eBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]