Mburungwa
From Wikipedia
Muchidzidzo chePimanyika, mburungwa (Sphere) izwi rinoreva chiumbwa chakaurungana kuita bhora. Vamwe vatauri vanoti chimburungwa, mburungwa kana kuti urungano. chiso cheurungano chine nhambwe dzakaenzana kubva pamboni (centre) remburumbwa; nhambwe iyi inodanwa kunzi taramunyongo, (radius).
Zvinhu zvine kuumbwa kwemburumbwa zvinosanganisira: bhora, mazhanje nemimwe michero uye Rinopasi ratigere.
Mburungwagama ndiyo inonzi hemisphere kuEnglish.
Kabhora kadiki kakapfava kanonzi mbungo - muenzaniso tennis ball.