Kuchivirika
From Wikipedia
Muchidzidzo fundoyetsimba, kuchivirika (Power) izwi rinodudzira kuitwa kwebasa paumwe hwechiyero chenguva. Kuchivirika kunopimwa nechiyero chinonzi Watt kana kuti (Joules/Second). Kana takatarisa mwenje wegetsi yakanyorwa kunzi 100Watts umwe 50Watts, kureva kuti mwenje wokutanga unoshandisa simba remagetsi rakapwetwa kaviri zvichienzaniswa nemwenje wechipiri. Uye tikatora varume vaviri wokutanga asenga masaga 50 echibage pamaawa 4, wepiri akasenga masaga echibage 50 pamaawa 6 - wekutanga anenge ashanda nekuchivirika kwakakura pane wepiri.
[chinja] Kuchivirika kweMagetsi
Kuchivirika kwemagetsi kunopihwa kune michina kana chinhu chinoshanda nemagetsi pane nguva imwe chete kunowanikwa netsazaniso inoti
pachiva ne
- P(t) sekuchivirika pane nguva imwe chete kunoyerwa mumaWatts (Joules/Second),
- I(t) sehuyerero hwemagetsi (Current) hunoyerwa nemaAmperes,
- V(t) sebasa rinoitwa kufambisa chaji (Voltage) rinoyerwa nemaVolts.
