Joseph Msika

Kubva Wikipedia

Joseph Wilfred Msika igamba rehondo yeChimurenga yakarwiwa nechinangwa chekusunungura nyika yeZimbabwe kubva kuutongi hweudzvanyiriri hwevarungu vakabva kuBritain. Murume uyu akanga ari mutevedzeri wemutungamiri weZimbabwe, Robert Mugabe.

Kuzvarwa kwake[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Joseph Msika akazvarwa musi wa 6 December 1923 kumaruwa eChiweshe mudunhu reMazowe. Baba vake vakanga vaine barika, mudzimai wavo wekutanga akazvara vanasikana; iye Joseph ndiye akazova mukomana wekutanga akazvarwa nemudzimai wechipiri. Baba naAmai vaJoseph vaiva memba dzeKereke yeAnglican. Kunonzi baba vaJoseph Msika yaiva hurudza ine gumbi remombe dzasvika zana nekuraudza uye vakanga vakaita bhizinisi rekutaura nhumbi nevanhu kubva kuMazowe kuenda kuHarare.

Joseph akapinda chikoro kuHoward Institute uko akagamuchirwa mushure mekupereka muripo wemazai matanhatu. Mugore 1937 akagamuchirwa kuva mubhodha pachikoro ichi, karamba aripo kudzimara akunda Standard IV. Chakanga chiri chishuvo chaJoseph Msika kuva mudzidzisi asi baba vake vakanomupinza muzvidzidzo zvekuveza kuMount Selinda Mission. Joseph akabudirira muzvidzidzo zvekuveza pngauva imwecheteyo akapasa Junior Certificate yake achiverenga zvinyorwa zvaitumidzirwa.

Kupinda basa[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Semukomana mukuru Joseph Msika akanga ane janha rekubatsira kupinza vanun'una vake chikoro, saka aipota achishanda nguva nziyami (part time) kuBulawayo mumwaka wezororo achibata pakambani yaitakura nhumbi. Mugore 1951 Joseph akapinda basa rekuveza midziyo iro akanga obata nguva izere - full time. Akabata basa iri kudzimara gore 1953, apo akazosiya achinopinda basa kuJohannesburg South Africa pakambani yaisona machira. Kamabani iyi payakapinda mukushaya mari, vakuru vepo vakarongera Joseph Msika kuti anopinda basa kune imwe kambani yaisona machira kuBulawayo, uko akanotanga basa semutariri wevashandi, achizova mubati mukuru pashure. Nekufamba kwenguva Joseph Msika akazova Personnel Officer achishanda kuyananisa vashandi nanaManaja mukugadzirisa matambudziko aiva pakati pavo. Basa iri rakamukwezvera kubandiko evashandi, akazoguma ava President weTextile and Allied Union.