Ivhu (Dhaga)
From Wikipedia
Shoko rokuti ivhu rinoreva dhaga ratinotsika tichifamba, rinova ndiro rinomera mbeu, miti nemadzinde akasiyana-siyana. Ivhu rinowanikwa riine ruvara rwakasiyana munzvimbo dzakasiyana; kune jecha, gova, shapa, munyakwe, zvichingodaro. Mumatunhu eDomboshava neMazowe munowanikwa ivhu dzvuku rinonzi gova kana kuti katondo.
Zvakaworera muvhu zvinobva pamadzinde semashizha nemakwati akaworera zvinodanwa kunzi mutsakwani - humus.