Govaniso
From Wikipedia
(Redirected from Gova)
Muchidzidzo masvomhu, govaniso (division in English) chiitiko chinoshandiswa kutsvaga kuti nhamba inokwana kangani (kana kupinda kangani) mune imwe nhamba. Somuenzaniso kana kuchitsvakwa kuti 3 anopinda kangani muna 6, kunonyorwa sezvizvi:
- 6 ÷ 3 = 2
Kuunga kune hukama negovaniso; zviitiko izvi zvine simba rinoita zvakapesana sezvizvi:
- 6 = 3 * 2
Kujekesa [chinja]
Maonero maviri
Ngatitarisei muenzaniso
- a ÷ b = c
- Govaniso tinogona kuiona sokutora boka rine nhengo a, nokupatsanura nhengo idzi kuchigadzirwa mapoka b akaenzana pahuwandu hwenhengo dzawo. Huwandu hwenhengo c hunodanwa kunzi chikangani - quotient in English
- Govaniso inokwanisa kutsanangurwa sokutora boka rine nhengo a, nokuwumba mapoka rimwe nerimwe rine nhengo b. Huwandu hwemapoka aya, c, ndicho chikangani cha a na b.
Kurerutsa Mutauro [chinja]
Zvakakosha kuti pawanikwe kuturikira kwemashoko anozivikanwa kare kuEnglish, uye kujekesa kuti huwandu huri kugovewa ndeupi:
- Dividing inenge ichinzi kugovanisa.
- 10 divided by 2, :10 ÷ 2 = 5 inenge ichinzi Gumi (10) kugova pana mbiri (2); kana kuti gova gumi pana mbiri. Apa tinoda kuti zvijeke kuti zvinhu 10 ndizvo viri kugovewa
- How many times does go 2 into 10 kunonzi 2 anopinda kangani muna 10.
