Imba
From Wikipedia
Imba (house) chivakwa chinogara vanhu pavanobikira, kudyira nokurara. Imba dzinokiwa nezvidhinha, mapango marata, huswa nezvimwewo zvinoshandiswa kuvaka madziro nekupfirira denga remba.
MuAfrica vazhinji vanovaka chidziro chemba nezvidhinha vachizopfirira denga racho nehuswa kana marata.
Kunyika dziri kuEurope neNorth America vanovaka dzimba dzemapuranga dzinova dzinodziya pane dzezvidhinha kunyika dzeko dzinotonhora. MuAfrica mapuranga anonyanya kushandiswa kuturika denga remba.