Imba

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuDzimba)

Imba, umba kana mhatso (house) chivakwa chinogara vanhu pavanobikira, kudyira nokurara. Imba dzinokiwa nezvidhinha, mapango marata, huswa nezvimwewo zvinoshandiswa kuvaka madziro nekupfirira denga remba.

MuAfrica vazhinji vanovaka chidziro chemba nezvidhinha vachizopfirira denga racho nehuswa kana marata.

Kunyika dziri kuEurope neNorth America vanovaka dzimba dzemapuranga dzinova dzinodziya pane dzezvidhinha kunyika dzeko dzinotonhora. MuAfrica mapuranga anonyanya kushandiswa kuturika denga remba.

Dzimba dzinopatsanurwa nezvidziro mukati kuita Rhumu, Mupanda kana kuti Kamuri dzinoshandiswa zvakasiyana.

  • Chengo, ukuri kana madziro (wall of house or room).
  • Rukumbati (Wall). Genesis 49:22 Bhaibheri reChiNdau.
  • Gumbi (eaves of house) kureva chikamu chedenga remba chinodarika pane madziro chichibatsira kukanda mvura kuti isaerera nemadziro. Izwi iri rinowanzotaurwa pahuwandu richinzi makumbi.
  • Rusvingo kana masvingo (stone wall).
  • Katungu kana chitsora zvinoreva musha uri kwawo wega kusina vamwe - isolated dwelling place.
  • Inho (Grid) A grating of thin parallel bars, similar to a grid-iron. Zvichida ndipo panobva zita remhuri rinonzi Chinho??
  • Guva kana pasi (Floor). Rovera guva nepuranga.
  • Chikwauro (wooden plank for beating down floor).
  • Dika (wooden beetle for beating floor).
  • Ruvara zvinoreva nzvimbo iri kutanga kutemwa kuti musha uvakwe - new ground for building house.
  • Chidza (1. A foundation, 2. A site prepared for building a house) apa kureva nheyo yemba kana ruvara rwatemwa kuti imba ichikawa.
  • Dongo (abandoned house or homestead) kutaura musha usisina anogarapo, vanhu vakatama kana vakapera kufa.
  • Mudza (1. Inaccessible place. 2. Space below raised building).
  • Guva (Floor) kureva pasi pakagadzirwa nevhu kana samende muri mumba. Guva harichimbidzike kuwoma.

Kamuri dzemba[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Marindo (bedroom) zvinoreva imba yokurarira.

  • Gota, nhanga, kora, buwa (sleeping quarters for unmarried boys or girls) kureva marindo evasikana kana vakomana vasina kuroora kana kuroorwa.


Mhando dzemba[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mamwe Mashoko[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Kuhwatama kana Kubwatama (Sagging of roof) zvichireva kutiva.
  • Zvakawanda noupfumi zviri mumhatso mwake. Psalm 112:3 (Bhaibheri reChiNdau.
  • Genesis 6:16, ... newe unozoita musiwo ngeparutii rwayo; unozoinasira inemakamera epashi, noomuturika wechipiri, noomuturika wechitatu.

Tsumo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Dzimba dzinotsva dzakavimbikana. Adjacent huts burn down at the same time.

Mitauro yeChiBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • VaTonga vanoti inganda (House) kureva imba. Mwadinganda - (householder).
  • VaNyoro vanoti kasika (partition wall; room).
  • VaNyoro vanoti rusika (an outer wall).
  • VaKikuyu vanoti nyumba nyinyi (n. cottage) vachireva koteji.
  • Basotho vanoti lebote kana mabote pakuwanda (n. wall) vachireva madziro.