Huhombe
From Wikipedia
Muchidzidzo chemasvomhu, huhombe (Magnitude) izwi rinotaura kukura kwakaita nhamba zvisinei kuti ine vara (-) kana (+) pamberi payo.
Kujekesa [chinja]
- Somuenzaniso, -50 ine huhombe hwakaenzana na +50, nyangwe zvavo nhamba mbiri idzi dzakasiyana pahukuru hwadzo; +50 yakawanda pane -50.
- Kana pachitaurwa zvemari munhu ane $50 ane mari yakawanda pane ane -$50. Munhu ane -$50 anenge atove nechikwereti.
- Hujoto +50oCelsius huri pamusoro pehujoto -50oCelsius.
Tsika [chinja]
Pakutaura kwamauvaose kwechimanje-manje shoko rokuti hombe rinosishandiswa sezvizvi:
- Haa mfana uya ndamu bigga muhombe - apa zvichireva kuti nyangwe ari mfana anokwanisa kuita zvinhu zvikuru, kana kuti mukuru panyembe dzekubasa.
- Sahwira muri vahombe - kureva zvakare kugona kuita zvikuru.