Gonyaina sambamba

From Wikipedia
Jump to: navigation, search
Parallelogram.jpg

Muchidzidzo chePimanzvimbo, gonyaina sambamba (Parallelogram) chiumbwa chine mativi mana - mativi maviri akati sambamba anenge akaenzana - uye gonya mbiri dzakatarisana dzinenge dzakaenzana. Zvimwe zvinoonekwa ndezvekuti danhamakonya mbiri dzinochekana kuita zvikamu zviviri zvine nhambwe dzakaenzana.

[chinja] Mhando dzeGonyaina Sambamba

Zviumbwa zviri pamupanda wegonyaina sambamba zvinosanganisira: tsazano; gonyaina tsazamativi uye gonyaina tsazamakonya.

Tsazano (Square) iri shoko rinoreva chiumbwa chine mativi mana ose akaenzana negonya ina dzose dzakaenzana. Tsazano iri pamupanda wegonyaina.

Gonyaina tsazamativi (Rhombus) - iri izwi rinoreva gonyaina rine mativi akaenzana nhambwe. Gonya dzakatarisana dzemukati dzinenge dzakaenzana zvakare. Chiumbwa ichi chine madanhamakonya maviri anochekana negonya re 90o. Tsazano iri pamupanda wegonyaina tsazamativi zvakare.

Gonyaina tsazamakonya (Rectangle) - iri izwi rapiwa kureva chiumbwa chine makonya mana ose akaenzana; gonya rimwe nerimwe riine 90o. Mativi maviri akatarisana anenge akaenzana uye akati sambamba. Tsazano rinogona kupinda pamupanda wechiumbwa ichi asi kazhinji tinosarudza kuti tsazano rimire roga.

Personal tools
Namespaces

Variants
Actions
Banguranyika
Maturuzi
Mimwe Mitauro