Gonhi

From Wikipedia
Jump to: navigation, search
L-door.png

Gonhi (door) zvinoreva chivakwa chinoshandiswa kuvhara mukova. Kazhinji gonhi rinogadzirwa nemapuranga akavezwa, asiwo rinokwanisa kugadzirwa nesimbi, kana plastic yakasimba.

Mamwe mazita anodavidzwa ndiwo anoti, sasa, dhowo kana kuti dimba kuchiManyika. Sasa rairukwa ne[tsanga_(dzinde)|tsanga]].

  • Mbindirira isuwo riri mukati memba risingabude kunze.

Kurerutsa Mutauro[chinja | edit source]

  • Mbudo (Exit) igonhi rinoshandiswa kubuda naro panzvimbo.
  • Mbindo (Entrance) igonhi rinoshandiswa kupinda naro panzvimbo.
  • Mbudo Panjodzi (Emergency Exit) igonhi kana nzira inoshandiswa kubuda panguva yokunge munhu atarisana nenjodzi.