Chiroto
From Wikipedia
Chiroto (dream) zvinoreva zviitiko zvinooenekwa kana kunzwikwa nemunhu akakotsira, zvingava zvakanaka kana zvakaipa. Vanhu vanorota zvakasiyana; vamwe vanorota zvavaswera vachiita, vamwe zvisinei nezvavaita, imwe nguva vamwe vanorota zvinoyambira kuti chii chiri kuuya mberi. Nokumwe kutaura chiroto chinonzi hope
Tsika [chinja]
MuBhaibheri Mambo weEgypt akarota hope achiona ndonda dzemombe nomwe dzichidya mombe dzakakora nomwe. Hope idzi dzakadudzirwa naJoseph achiti dzaireva makore manomwe emaguta aizoteverwa nemakore manomwe enzara.