Chidenhi

Kubva Wikipedia
Chidenhi

Chidenhi (kureva hormone muChingezi; hhomoni paChishongrish) muchidzidzo chezvipenyu, zvinoreva "compound" dzinoshandiswa kuvamba kana kukuchidzira kushanda kwenhengo dzemuviri. Chidenhi pachinenge chagachirwa munhengo idzi, pane mabasa anobva atanga kuitika munhengo iyi. Zvidenhi zvinotsatidzwa kubva patsatsadzi dziri mumuviri dzine basa rokugadzira chidenhi ichocho. Kune chidenhi chinokuchidza kukura kwendebvu muvarume.

Chidenhi chinonzi "testosterone" chinoshanda kukuchidza kuyaruka kwemukomana kuti ave nechimiro chemurume. Chidenhi ichi chinodzivisa kubuda kwemazamu muvarume.

Kunoitawo chidenhi chinoita kuti kubuda kwemazamu kutange muvakadzi. Chidenhi chinonzi "estrogen" chinoshanda kukuchidza kuyaruka kwemusikana kuti ave nechimiro chemukadzi achitanga kumera mazamu.

  • Shoko rokuti chidenhi rinotaura kuti zviro izvi zvinodenha nhengo kuti dzivambe kuita mabasa adzinobata mumuviri uye zvinonenha kuyaruka kwedzimwe nhengo mumuviri.
  • Shoko reChingezi rokuti "hormone" rinoreva "that which sets in motion, excites or stimulates a process". Ndiko kudenha kuri kurehwa nezita reShona rapihwa.
  • Mukutaura kwedu kwamazuva ose unonzwa toti:
  • Andidenha saka ndamurova. Apa zvichireva kuti ndiye anditanga.
  • Nyaya yamadenha iyi nhasi tinonzwa nekuzuwirwa. Apa zvichireva kuti matanga nyaya inofadza nokupa manyawi kumutauri kuti atange nokuramba ari kuitaura.
  • Denha huni iyo moto ubvire zvakanaka. Apa kureva kukuchidzira moto wanga wabatidzwa zvawo kare.

Kutaura kuri muzvirevo izvi kunodudza kushanda kunoita chidenhi kana kuti "hhomoni": kuvamba; kukuchitsidzira; kukurudzira.

Mitauro ye Chibantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]