Zamu

Kubva Wikipedia
Mazamu emukadzi

Muchidzidzo chezvipenyu, mazamu inhengo dziri padundundu revakadzi dzinogadzira mukaka mushure mokunge mwana azvarwa. Mazamu ane tsatsadzi dzinotora chikafu chiri muropa raamai dzichigadzira mukaka wemwana.

Mutsika dzemarudzi mazhinji mazamu anowonekwa sezvishongo zvinoyevedza pamuviri wemukadzi. Kunyika dziri kuEurope mamwe madzimai anotora mari zhinji kuenda kunovandudza chimiro chemazamu avo kuti ave anoyevedza zvichienderana nemaonero avo.

  • Matyaka, dombwe, madombwe kana manhombwe (First beestings; colostrum) zvinoreva mukaka unotanga kubuda kana mwana azvarwa une ruvara rwakaita yellow.
  • Nyatso, munyatso kana shungu (nipple, teat).
  • Izwi rokuti nyasa (splatter or spray some liquid) rinotaurwa kuKalanga richireva kumwaya mvura kana chime chakaita semvura. Zvichida izwi iri rinokwanisa kuturikira chinonzi secrete kuEnglish.
Matyaka emunhu nemukaka wemunhu.
Kuruboshwe matyaka akasvinwa pazuva rechina (4) rekuzvara. mukaka wakasvinwa pazuva rechinomwe

.

Tsumo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Chidamoyo zamu kumera pambabvu. Zvinoreva kuti munhu anoita zvaanoda kana zvaanenge afunga haafanirwi kuzorwadziwa nazvo nekuti ndizvo zvaanga achida.
  • Ko kuti chigagairwa chemhandara zvinorevei?

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]