Zamu
From Wikipedia
Muchidzidzo chezvipenyu, mazamu inhengo dziri padundundu revakadzi dzinogadzira mukaka mushure mokunge mwana azvarwa. Mazamu ane tsatsadzi dzinotora chikafu chiri muropa raamai dzichigadzira mukaka wemwana.
Mutsika dzemarudzi mazhinji mazamu anowonekwa sezvishongo zvinoyevedza pamuviri wemukadzi. Kunyika dziri kuEurope mamwe madzimai anotora mari zhinji kuenda kunovandudza chimiro chemazamu avo kuti ave anoyevedza zvichienderana nemaonero avo.
Kukudza mazamu: Asati akudzwa (Kuruboshwe). Akakudzwa (Kurudyi)
Kudzorwa mazamu: Asati achekwa (ruboshwe) uye achekwa (rudyi)