Ndebvu

From Wikipedia
Jump to: navigation, search

Muchidzidzo chezvipenyu, ndebvu (beard in English) zvinoreva vhudzi rinokura: pamutsipa; pachirebvu nepamatama emurume anenge ayaruka. Ndebvu dzinokurawo pazasi pemhuno pamuromo wepamusoro.

Ndebvu dzinotanga kubuda panguva yokubva zera (puberty) dzichisundwa nechidenhi chinonzi "dihyrotestosterone" chinogadzirwa zvichibva pa "testosterone".

Chinamato chemapostori muZimbabwe chinotenda kuchengeta ndebvu dzisina kugerwa, dzinowonekwa sechishongo pavarume. Chinamato chemaJudah chine vamwe vanochengetawo ndebvu dzisina kugerwa.

Munzvimbo dzehushangazhi vamwe vanowona ndebvu sedzisina kutsvinda saka vanokurudzira kugera ndebvu.