Bere

From Wikipedia
Jump to: navigation, search
Bere

Bere (Hyena in English) imhuka yemusango ine makamba matema nebrown inokura kusvika pamhumhu wembwa. Iyi mhuka inowanikwa muziwumbe zveAfrica neAsia. Bere imhuka inozivikanwa nokufamba usiku uye nemusana waro wakaita muteremuko unobva kumakumbo emberi uchidzika kuenda kumakumbo eshuru.

Bere rakasiyana nekatsi dzemusango pakuti rinobata dzimwe mhuka richishandisa mazino kwete makumbo ane nzwara sezvinoita mbada. Danga remapere rinesimba rokudzinga shumba kubva padzinenge dzavhima dzikabata mhuka yesango. Mapere anovhima nyati achikwanisa kuiwuraya; izvi zvinogoneka kana riri danga remapere.


Tsumo - Chinono chinengwe bere rakadya richifamba.


Mazita emhuri[chinja | edit source]

Kune mazita emhuri ane chekuita nebere. Mamwe ndiwo anoti: Bere, Mapere, Chipere, Beremauro.