Kubva Wikipedia

(kana ; uye ) ibhii reChiratini, riri muchikamu chemhando ye mabhii aX. Bhii ra /x/ rinowanikwa kumimwe mitauro ye Chivanhu senge Chikaranga ne Chindau, kasi sezvinozivikwa, bhii ra /x/ ibhii rokudzvanya kumitauro mizhinji ye Chibantu yekuChamhembe che Afurika, senge Chindebele kana Chixhosa.

Bhii iri pakushandiswa rinonyorwa kuti tikwanise kusiyanise /x/ wekudzvanya na /x/ wekuhhora. Chindau ne mimwe mitauronyina ye Chikaranga ino shandisa /x/ wekudzvanya, senge Chindau chinoti: kuxoxa uye kuxapa, mumashoko aya /x/ anenge achidzvanywa.

Asizve, Chikaranga chinoti: xarani, xumbudzi, uye pxere, mumashoko aya /x/ anenge achihhorwa kwete kudzvanya. Kuti vanhu vasakanganisike, ndipo panoshandiswa // ane do pamusoro.[1]

Iro bhii rekuhhora rinonzi rakabva kuChibhunu richiunzwa nemitauro ye Chinguni.[1] Rinowanikwa kuChivhenda sa /x/, Chiswahiri sa /gh/ kana /kh/ (nekuda kwe Chiarabhu), Chisutu sa /kg/, kuChixhosa sa /rh/ saka ibhii rakajairika mumitauro mizhinji ye Chibantu.

Miezaniso ye mashoko[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • ẋumbudzi
  • ẋarani
  • ẋede; ẋada
  • muẋoro
  • pẋere
  • pẋanya
  • ẋambangwe

Mabviro eruzivo:[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  1. 1.0 1.1 William Zivenge, (2010), The effects of Shona language change on monolingual lexicography: The need for a revised alphabet Mazanhi 6 - 8. Yakaringwa 2022-2023.