X

Kubva Wikipedia
Mabhi eChiratini (semuChishona)
Aa Bb Bh Cc Ch Dd
Dh Ee Ff Gg Hh Ii Jj
Kk Ll Mm Nn Oo Pp Qq
Rr Rh Ss Tt Uu Vv Vh
Ww Xx Yy Zz
Mabhi eChivanhu a /x/
Mabhii ekudzvanya
X Xh Xw
Mabhii ekuhhora
Ẋẋ (kġ) Ẋw (kġw)

X (kana "x") ibhii rinobva kubumbiro remabhii eChiratini rinoshandiswa mukunyorwa mitauro zhinji pasirose richiereketwa zvakasiyana. Rinowanikwa mubumbiro remabhii eChivanhu, zvichienderana nemutauro kana mutauronyina. Bhii ra /x/ mumitauro ye Chivanhu rinowanikwa muChindau nekuti chine pesvedzero yeChinguni, pamusoro pezvo, rinogona kunge richiwanikwa mumitauronyina ye Chikaranga.

Mashandisirwo anoitwa X[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mashoko ekudzvanya[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mashoko ekuhhora[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Nekuda kwe kugadzirwa kwe Standadhi Shona mabhii mazhinji anowanikwa mumitauro imwe haanyorwo sezvaanonzwika. Senge dhla- kuChikaranga, uye zve /ẋa/, iri harisi bhii rekudzvanya asi rekuhhora, kuti risiyaniswe ne /ẋa/ wekudzvanywa ringanyorwa futi sa /kġa/, do raiswa pamosoro pa /x/ raiswa kuti tikwanise kusiyanisa /xa/ wekudzvanya unowanikwa muChindau (nemitauronyina ye Chikaranga) - uye ndiwo manyorerwo ebhii iri kumimwe mitauro ye Chibantu senge Chisutu.

Senge:

  1. xhosa
  2. ẋhosa/kġosa

Mienzaniso a ẋa / kġa

  • hẋada, kġada - iekspresheni rinoshandiswa munhu ashamiswa zve, kana kureva kwete.
    • ẋa/kġe - pachayo anoshandiswa wo
  • hẋede, kġede - ishoko rinoshandiswa munhu ashamiswa.
    • ẋe/kġe - pachayo anoshandiswa
  • pẋanya, pkġanya - mhando ya pwanya.
  • ẋarani, kġarani - senge kuti harani.

Mashoko akabva kuChingesi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mashoko akabva kuChingezi anowanikwa kuChishona anoshandisa 'x', anoshandurwa kuva na /sh/, /ks/ kana /s/.

Bhii ra ks, rinowanikwa muChishona pachinonyorwa neunyope, senge kseni (kureva kuseni), kana ksasa (kureva kusasa) uye kana jekseni (kureva jekiseni).

  • oxygen - oksijeni
  • axial - akiso, aksiya

Mabhi eChishona[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

tarisai futi Chishona, uye Bumbiro reMabhi eChishona