Yakawa nemusana

Kubva Wikipedia

Chirevo chokuti yakawa nemusana chinotaura kana munhu asangana nechinhu chamurerukira kuita kana achifananidza nedzimwe nhambo dzaakamboita chinhu ichi. Chirevo ichi chinotaurwawo zvakare apo kuwana zviro zviri kutsvagwa kwareruka zvakanyanya tichifananidza nenguva dzakapfuura.

Mashoko ekuti kuwa nemusana anofananidzira mhuka yawa nemusana zvokuti haichanetsi kutema uye haichagoni kudzinganisa munhu zviri nyore - simba rayo raita seratapudzwa.

Kurerutsa Mutauro[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Mazuvano goridhe rakawa nemusana kwaMutare, nokuti makorokoza vakabata bhande rine hunzanza hwechitofu chine mukute wakawanda.