Svetuka kuchirochemo

Vhangeri ra Johane

Kubva Wikipedia
<<<< Ruka >>>> Zviito zve Vatume

Vhangeri ra Johane (kureva Zvidzidziso zva Johane) ivhangeri rechina mumavhangeri emuTestamende Ritsva. Muzvinyorwa zvaro rinosanganisa nyaya dzekuparidza kwa Ishe Jesu, uye "zviratidzo" zvinomwe zvakasvikisa kumutswa kwa Razarasi (kushopera kuzomuka kwaJesu), uye zvishupikano zvinomwe zvepamusoro hwe hu-"Ndini" zvakasvikisa kupupura kwa Tomasi nezvaJesu vakange vamuka achivati "Ishe wangu uye Mwari wangu".

Mun'wadhi iri zvinotaurwa nezvaJohani uyo ainzi "mudikani waJesu". Rinotidzidzisa sevanhu kuziva kuti tirivanaani kunaJesu - munhu ne munhu, mudikani waJesu.

Mukupera kwaro rinotisiya nemashoko aya "Jesu vakaita zvimwe zvinhu zvizhinji. Dai zvikanzi zvose zvakangezvakanyorwa, ndinofungakuti pamwe, pasirose haraingawani nzvimbo yekugadzika neman'wadhi ose aizadziswa nezvazvo."