Mukomana
Mataridziko
(runangakatsva kubva kuVakomana)
Mukomana (boy) zvinoreva mukono wemunhu achiri mudiki; kana ari mukuru anonzi murume. Asi shoko rokuti murume rinoshandiswazve kutaura chero mukono wemunhu zvisinei kuti ane makore mangani ekuzvarwa.
Kuyaruka kwemukomana
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Dzvito (Puberty for male) - apa kureva kusvika pazera rekuyaruka panotanga kushanduka muviri, izwi richibhesera, vhudzi richimera muhapwa, huronyo huchitanga kuuya.
- Kudzvita (Reach puberty male). vamwe vanoti kupundudza kana kuputudza.
- Dzvita apa kureva munhu asvika pakudzvitura.
- Dandaringo kana matandaringo pahuwandu (1. Long pole 2. Tall, strong person). Idandaringo repwere: that child is much too big for his age.
Mitauro yeBantu
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- VaTonga vanoti bulombe kana malombe (n. boyhood) vachireva hukomana. VaTonga vanoti mulombe (boy) kureva mukomana.
- VaTonga vanoti kalombe (small boy) kureva kakomana.
- VaNyungwe vanoti mulumbwana kana alumbwana (boy/s) kureva mukomana.
- VaShambala vanoti mgoshi (n. male) kureva munhurume. VaShambala vanoti kagoshi (n. boy, lad) kureva mukomana.