Vajudha vekuRusape

Kubva Wikipedia

Vajudha vekuRusape, muZimbabwe vanhu vanetsika uye chitendero chakafanana neChijudha, uye chinoenderana ne Ujudha wekwose kwose. Mukutenda kwavo vanoti Yesu Kritsu vaisave Muishe asi kuti vaive Svikiro. Havatendi kuti Yesu akamuka pazuva rechitatu akazuruka kudenga sezvinotaurwa mu Ukristu, ngepo, vanoti Yesu vakavigwa muIsiraeri sezvakaitwa vamwe vanhu.

Nharaunda iyi inonzi yakasimba nekuda kwa VaWilliam S. Crowdy, vakauya munharaunda pedyo nokupera kwe Zanakati rechi19 kana mukufuma kwe Zanakati rechi20.