Sabata

Kubva Wikipedia

Muzvidzidzo zvechiKristu uye zvechiJudah, Sabata zvinoreva zuva rakatarwa naMwari kuti vanhu vazorore pazuvaro, iri riri zuva rechinomwe kana kuti mugovera wega wega.

Mirairo gumi yaMwari[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Rangarira zuva reSabata kuti uri chengete rive dzvene. Ubate mazuva matanhatu uite mabasa ako ose; asi zuva rechinomwe isabata raJehovha Mwari wako; usatongobata mabasa naro, iwe, kana mwanakomana wako, kana mwanasikana wako, kana zvipfuwo zvako, kana mweni wako uri mukati mamasuwo ako; nokuti namazuva matanhatu Jehovha wakasika denga napasi, negungwa, nezvose zviri mukati mazvo, akazorora nezuva rechinomwe; naizvozvo Jehovha wakaropafadza zuva reSabata ukariita dzvene.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Sabata remubhaibheri

VaJudha vakawanda vanotevedzera mitemo yeSabata vanodaro sekuchengetedza mirairo yema Israeli uyezve sekukoshesa zuva rekuzorora kwakaitwa na Mwari mushure mekunge asika nyika. MaJudha vanochengetedza Sabata zvakare vachirangararira kusunungurwa kwavakaitwa na Mwari kubva munyika ye usungwa ye Egypt.

Zvisinei makristu akawanda vanongochengetedzawo zuva reSabata nekuti izuva rakazorora Mwari kusika nyika.