Runhanhira

Kubva Wikipedia

Muchidzidzo chefundoyetsimba, runhanhira (momentum in English) zvinoreva simba riri pamutumbi uri kufamba rokuti unoda kupfuurira mberi nokufamba. Runhanhira runowanikwa nokuunga huremu nemuchacha wemutumbi uri kucherechedzwa.


Runhanhira = huremu x muchacha


Shoko reEnglish rokuti momentum rinoreva power of movement kureva masundire echinhu chiri kufamba, ane chekuita nehuremu uye muchacha uri kufambwa nawo..

Kupiwa kwezita[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Kana munhu achimanya, akanzi chimira pakare-pakare, panoonekwa kuti izvi hazvigoneke - munhu anotomboramba achibanha dzimwe nhanho kuenda mberi asati akwanisa kumira. Ipapa pakuramba munhu achibanha dzimwe nhanho kuenda mberi, asi iye ati anoda kumira ndipo pabva zita rokuti runhanhira. Nokuti pane simba riripo pakumhanya ratisingagoni kumisa pakarepo. Munhu anodanha kupfuura apo afunga zano rokuti amire, zvoita sokunge ave kunhanhira kuenda mberi uko anga asisafanire kuenda.
  • Zvimwechete nebhazi kuti haringamire kuti tsvii panzvimbo pavambwa kutsikwa bhureki, asi rinombosundira mberi kwechinhambwe. Kana zviya bhazi richimhanya, mutyairi otsika mabhureki panoonekwa bhazi richipfurira mberi nokufamba zvisinei kuti mabhureki atsikwa.