Svetuka kuchirochemo

Pretoria

Kubva Wikipedia

Pretoria (sn. Pitoria) igutaguru rechatemaunda[1] reAfurika Chamhembe, iguta rakakosha rinezvizhinjie zvenyika. Rinozivikanwa seguta rezverudzidzo uye chikati chezvetsvagurudzo, mariri munowanikwa Yunivhesiti yeUnenarueza yeTshwane, Yunivhesiti ye Pitoriya, Yunivhesiti ye Afurika Chamhembe, Kanzuru ye Tsvagurudzo ye Chiguruzivo ne Rushangazhi, uye Kanzuru yeTsvagurudzo yeGuruzivo ye zveVanhu. Ndiyo futi ine Rupiso rweTsvagurudzo yeDhidhizha ne Hofisi ye Afurika Chamhembe ye Husvinu.

Pitoriya ndicho chikamu chepakati cheChirazvitonga reDhorobhani reGuta reTshwane rakaumbwa ne kubatanidzwa kweuzhinji hwe zvitungamiso zvechinharaunda zvinosanganisa Kungwini (kana Bronkhorstspruit), Centurion, Cullinan, Hammanskraal neSoshanguve. Vamwe vakatambitsa mifungo yokuti zita rechihofisi rishandukwe kubva pakunzi Pretoria richinzi Tshwane, izvi zvakakonzera gakava.

Mazita mumitauro yeAfurika Chamhembe

[chinjirudza | chinjirudza mabviro]
  • Chizulu: iPitoli
  • Chixhosa: ePitoli
  • Chibhunu: Pretoria
  • Chipedhi: Pretoria
  • Chiswati: Pitoli
  • Chisutu: Pritoriya
  • Chitswana: Tshwane
  • Chitsonga: Pitori
  • Chivhenda: Pretoria

Pitoriya yakagadzikwa mafungwe[2] e56km (35mi) kumaodzanyemba-emaodzanyemba-emabvazuva eJobheki mumaodzanyemba-emabvazuva eAfurika Chamhembe, iri pachisungiso chechifambwa cheduvurwi[3] ye Highveld kuchamhembe ne Bushveld iri chekuzasi nezvekumaodzanyemba. Irere kuhukwidza hungaite 1,339m (4,393 ft) pamusoro pemuseruro[4] webhahari, uri mumudziyo, wakadukidzwa, unemupata unobara, wakapoteredzwa nematunhu emandundu eMagaliesberg.

Mabviro eruzivo:

[chinjirudza | chinjirudza mabviro]
  1. chatemaunda., nhemaunda - administrative
  2. mafungwe., approximately
  3. duvurwi., plateau
  4. museruro., level