Nyanga dzaMushore

Kubva Wikipedia
Bypass loppers with double curved blades - kasole mururimi rweMambwe

Chirevo chokuti wapinda panyanga dzamushore (you are in a dilemna or difficult place) chinodudza kuti munhu apinda pakamanika panoti kumativi kwakaipa.

  • Zvichida nyanga mbiri dzechigero sechiri pamufananidzo ndidzo dzinonzi nyanga dzamushore - zvichitevedza kududzirwa kwemazwi anobva kumutauro weMambwe unotaurwa kuZambia.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Pano panyorwa mazwi ari pedyo nezita iri kune mimwe mitauro yeChiBantu, asi zvinoreva zita zvigona kusiyana zvachose nemazwi ari pasi aya. Pane tarisiro yekuti mitauro yeBantu inotodzana mazwi.

  • VaMambwe vanoti -sola kana -sola umuti (lop off trees, lop away trees, lop a tree) kureva kucheka muti nechigero sechiri pamufananidzo.
  • VaMambwe vanoti kasola (n. the lopper of trees) kureva munhu anocheka mapazi emiti nechigero.
  • VaMambwe vanoti musole (n. a high tree which could be lopped) kureva muti wakareba unokwanisika kuchekwa nechigero.
  • Bushong inoti lushola (n. scissors) kureva chigero.