Nhareyamado

Kubva Wikipedia
Nhareyamado yerudzi rwe Nokia
File:How to block text message on Samsung.jpg
Nhare ye Samsung yeruvara tsvuku, iyi ndiyo mhando yenhare dzemazuva ano.

Nhareyamado (ku Chingezi: cellphone; mobile phone) nharembozha uye nharemado aimhando yerunhare isina waya dzakabata kwairi inoshanda nemasaisai emhando rwe "rhedhiyo". Vamwe vanongoti nhare chete.

Shoko rokuti nharemado rinotoredzera kubva pachizinga chinogadzirirwa huchi nenyuchi chine mado ane kuumbwa kwakaita gonyanhanhatu. Kushanda kunoita nharemado ndekwekuti inotambira nokupa mashoko kushongwe iri pedyo. Shongwe dzinopana nokutapurirana mashoko, nharemado dzotapurirana neShongwe iri pedyo.

Shongwe dzeNhare (Base Station Towers) dzinowumba dandira reshongwe zhinji dzinopana mashoko. Shongwe imwe neimwe inenge iri munharaunda mayo; nharaunda idzi ndidzo dziri kudanwa kunzi mado. Kureva kuti dandira reshongwe (network) rakaumbwa nemado. Nharaunda dzeShongwe dzakarongeka nokubatana sokurongeka kungafananidzwa nemado ari pachizinga chehuchi hwenyuchi. Munzvimbo zhinji, nharaunda yakakomberedza shongwe ine chiumbiko chakaita gonyanhanhatu.

Mamwe mapeji ekutarisa[chinjirudza | chinjirudza mabviro]