Nhamba svinu

From Wikipedia
Jump to: navigation, search

Muchidzidzo masvomhu, nhamba svinu (rational number in English) inhamba inokwanisa kunyorwa sedimbu p/q rine nhamba dzizere mbiri. Apa chisengazita hachifanirwe kunga chiri zero, izvi zvinoreva kuti q anogona kuva 1. Nokudaro chero ipi nhamba izere inokwana muboka renhamba svinu

Kana nhamba isiri nhamba svinu, inodanwa kunzi nhamba isisvinu. Boka renhamba dzisisvinu rinosanganisira √2, π, pamwe na e. Nhamba isisvinu inoramba ichienderera isingadzokore kurudyi kwa koma wepamuravanegumi - decimal comma.