Mutsuwiko wemagetsi
Muchidzidzo fundoyetsimba shoko rokuti mutsuwiko wemagetsi, (electrical insulator) rinoreva chiro chisingatakure magetsi chinoshandiswa kuputira waya inotakura magetsi. Kazhinji mutsuwiko wemagetsi inenge iri plastic inoputira mbereki yemagetsi. Mune dzimwe nzvimbo mutsuwiko wemagetsi unokwanisa kugadzirwa nepuranga kana ceramic. Mutsuwiko wakakosha pakuderedza njodzi dzokugwinhiwa nemagetsi.
Kupiwa kwezita
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]Shoko reEnglish rokuti insulate rinotaura zvinoreva to make into an island. Apa kutaura kuti waya yemagetsi inenge yaitwa kunge chitsuwa, magetsi asingakwanise kubuda pairi. Saka pano panzi insulation idanwe kunzi mutsuwiko kubva pazwi rokuti chitsuwa. Pakuwanda inenge ichinzi mitsuwiko yemagetsi.
Kurerutsa Mutauro
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Insulating (verb) inenge yonzi kutsuwikira izvi zvichireva kuputira waya inotakura magetsi nemutsuwiko.
- Material with insulation properties inenge yonzi mutsuwiko – apa kutaura zviro zvinokwanisa kushandiswa pakutsuwikira.
- Chiro chinotakura magetsi chinonzi mbereki yemagetsi apa kureva electrical conductor.
.
Kuumba Mazwi
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]Zvichida tinokwanisa kushandisa izwi rokuti chirundu kuturikira insulator??.
- Insulate toti kutsuwika kana kutsuwikira.
- Insulated toti chakatsuwikirwa kana chakatsuwikwa.
- Electrical Insulator toti mutsuwiko wemagetsi.
Mamwe Mazwi
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]Kune mamwe mazwi ari pedyo nekuti mutsuwiko atingafananidze nayo, sokuti: chitimiko, mudzindiko, murumiko, mudzamiko.