Musande Petro ne Mikeroni

From Wikipedia
Jump to navigation Jump to search
Mureza we Msande Petro ne Mikeroni

Musande Petro ne Mikeroni (Chifurenji: Saint-Pierre et Miquelon) kana Sando Pitero ne Mikeroni, uye zviri pamutemo Mukumbi weTeritori ye Sando Pitero ne Mikeroni uyezve muChifurenji zvonzi Collectivité territoriale de Saint-Pierre et Miquelon. Uyu mukumbi we teritori inozvitonga yemhiri kwemakungwa yeFuranzi kumaodzanyembaemadokero eGungwa re Atirandiki kudhuze ne Nyufaundilendi (Newfoundland) ne Labhuredho (Labrador) purovhinzi ye Kanadha. Sando Pitero ne Mikeroni ndiyo yasara yenzvimbo yaimbova yakakura ye Furanzi Itsva. Vagari vemo ndiVasanyika veFuranzi; mukumbi inhengo yakazara ye Mbungano ye Dhidhizha uye inopinda musaruro reuseneta ne utungamiranyika. Inofukidza 242 km2 (93 sq mi) yenyika nemahombekombe uye yaive nehuwandu hwevanhu zviuru zvitanhatu nemazana masere kubva pasenzasi yemuna Kurume 2016.

Zvitsuwa zvacho zviri mu Ghova raMusande Rorenzo (Gulf of St. Lawrence) pedyo nepanopindwa napo pa Fochuni Bhei (Fortune Bay), inopinda mumhenderekedzo yegungwa yokumaodzanyemba kwakadziva kumadokero kweNyufaundilendi, pedyo ne Magombe Makuru e Nyufaundilendi. Musande Petro iri makiromita gumimbiri(12 mi) kubva kuPoyindi Mei (Point May) pa Peninzura ye Bhurini ye Nyufaundilendi uye 3,819 km (2,373 mi) kubva kuBhuresti (Brest), guta riri padyo mu Furanzi ye Umetiroporiti. Iyo diki ye Chitsuwa chiZerere cheKanadha iri makiromita tanhatu (6 mi) kumabvazuva kwe Musande Petro, ingangoita pakati pePoint May.

Mashoko ashandiswa[chinja | edit source]

  • vasanyika (citizens)
  • Mbungano ye Dhidhizha (National Assembly)
  • Saruro (election)
  • useneta (senatorial)
  • utungamiranyika (presidential)
  • senzasi (census)