Mudzi wenhamba

Kubva Wikipedia

Muchidzidzo masvomhu, mudzi wechi n we nhamba iri kumurirwa na x (nth root of a number), inhamba inomirirwa na r, yokuti kana yaradanurwa padanho n, zvinoenzana na x. Hukama uhwu hunonyorwa sezvizvi,



apa n anenge ari munongedzo remudzi wacho. Mudzi wepiri unenge une munongedzo wa 2, mudzi wechitatu unenge une munongedzo wa 3, mudzi wemakumi maviri unenge une munongedzo wa 20, zvichingodaro.


Somuenzaniso:

  • 2 mudzi wepiri wa 4, nokuti 22 = 4.
  • −2 mudzi wepiri wa 4, nokuti (−2)2 = 4.
  • 9 mudzi wepiri wa 81, nokuti 92 = 81.
  • −9 mudzi wepiri wa 81, nokuti (−9)2 = 81.


Mudzi wenhamba unowanza kunyorwa kuchishandiswa chiratidzo kana , kana kana kureva mudzi wepiri.


Apa anoshandiswa kumiria mudzi wetatu, anomirira mudzi wechina, zvichingodaro. Pakupangidza , n anonzi munongedzo - index kuEnglish. Apa n anotiudza kana kunongedza kuti parikutsvagwa mudzi wenhamba wechingani.