Mitauro ye Chiostironezhiya

Kubva Wikipedia

Mitauro ye Chiostironezhiya (kana. Mitauro ye Chiaustranesia) imhuri ye mutauro inotaurwa zvakanyanya muMaritime Chamhembemabvazuva eEzhiya, Madagaskara, zvitsuwa zveGungwa re Pasifiki ne Taiwani (nevanhu vekuTaiwani). Kunewo vatauri vakati wandei muziwumbe re Ezhiya.[1] Zvinotaurwa nevanhu vanosvika 386 miriyoni (4.9% yehuwandu hwenyika). Izvi zvinoita kuti ive mhuri yechishanu pakukura kwemutauro nehuwandu hwevatauri. Mitauro mikuru ye Chiostironezhiya inosanganisira Chimalayi (chiIndonezhiya ne chiMaleyi), Chijavha, uye Tagalogu (Chifiripino). Maererano nokumwe kufungidzira, mhuri yacho ine mitauro 1,257, unova wechipiri pamizhinji yemhuri yose yomutauro.[2]

Mabviro eruzivo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  1. https://www.britannica.com/topic/Austronesian-languages
  2. https://en.wikipedia.org/wiki/Robert_Blust