Mhou yemombe

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuMhou (yemombe))
Mhou

Takatarisana nemombe mhou (adult female cow with 1-2 calves) zvinoreva mombe hadzi yakabereka mhuru. Kana mombe hadzi isati yabereka inonzi tsiru.

Mhou inokamwa mukaka panguva yokunge iine mhuru. Kana pachinge pasina madhonza kana kuti ngavi, mhou dzinokwanisa kubopwa pajoki kuitira kurima.