Mbalabala, Zimbabwe

Kubva Wikipedia

Mbalabala maruwa anowanikwa panzira yeBeitbridge-Bulawayo painosangana nenzira yeFilabusi. Musha uyu uri kuchamhembe kwakadziva mabvazuva kweBulawayo. Zita rokuti Mbalabala rinobva pamhuka ine zita irori (scientific name: Tragelaphus strepsiceros).

Musha weMbalabala une chiteshi cheBeitbridge Bulawayo Railway uye ndipo pane njanji inoshandiswa nemigodhi yeFilabusi. Bharaki emawuto anowanikwapo anonzi Zimbabwe School of Infantry.