Kutonhodza mweya nemvura yakadzika

Kubva Wikipedia

Kutonhodza mweya nemvura yakadzika (Deep water air cooling) inzira yekutonhodza mweya uri panzvimbo kuchishandiswa dziva remvura sechinyudze chemadziya. Mvura inotonhora inopombwa ichibva pakadzikadzika pedziva. Mvura ine tembiricha 4-10 Celsius inotorwa kubva mumadziva makuru, gungwa, rwizi kana horamvura yopombwa ichipinda muchiposha madziya. Kune rimwe divi rechiposha madziya kunobuda mvura inenge yatonhodzwa.

Mashandiro Azvo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Kana tichicherechdza standard atmospheric pressure, mvura ine rutsinho rwakanyanya patembiricha 3.98°C (39.16°F). Zvoreva kuti mvura iyi ikatonhodzwa pasi pe 3.98 °C inoderera rutsinho yoenda pakakwirira. Tembiricha ikakwira kudarika 3.98°C, rutsinho rwemvura runoderera mvura yokwirira, izvi zvinokonzera kuti pamusoro pemadziva padziye munguva yechirimo. Zviitiko zviviri izvi zvinoreva kuti inobva pakadzikadzika pemadziva ari kure neEquator inoramba iri 3.98°C.

Kutonhodza nedziva rakadzika kunoitwa kuchishandiswa mvura inopmbwa kubva pasi pedziva rinenge riri chinyudze chemadziya. Kutonhodza nedziva rakadzika kunoderedza magetsi anodiwa nema cooling systems.

Emwave kuCanada[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Muna August 2004, Enwave Energy Corporation yakatanga kushandisa donhodzo remvura yakadzika kuToronto Canada. Donhodzo iri rakavaka paipi dzakareba makiromita 5 kupinda muLake Ontario umo marinotora mvura pahudzamu hwemamita 83. Mvura iyi inogara iri patembiricha 4°C. Donhodzo iri chikamu che integrated district cooling system inobata Toronto's financial district. Donhodzo iri rine simba rinosunda 59,000 tons (207 MW) richitonhodza 3,700,000 m2 dzema ofisi).

Seawater pipes of The Excelsior hotel system in Hong Kong.