Kusindimara

Kubva Wikipedia

Shoko rokuti kusindimara (stoic, unresponsive, stubborn) rinotaura kana munhu asingataridze rudaviro pazvinhu zviri kuitika paari. Kazhinji izvi zvinenge zviri zviitiko zvaanotarisirwa kuti angava nerudaviro rwakarurama kwazviri asi iye oratidza kusasundwa nazvo kana kuzvigamuchira. Kusindimara kunotaurwa kana munhu: asisateerere zviri kutaurwa; asingataridzi kurwadziwa kana kufara kana kutsamwa nezviitiko zviri kutaurwa nezvazvo. Uyu munhu anoita senhinhi isingacheme pakurohwa kana zibwe guru risingatsukunyuke pakusundwa.

Tsika[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Vanonamata vanotaura vachirayira mweya wekusindimara apa vachireva mweya unoita vanhu kuti vasava nerudaviro kushoko raMwari.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • VaHerero vanoti ou-kukutu (stubbornness; hardness).