Kurova pasi petsoka

Kubva Wikipedia

Kurova pasi petsoka, chirevo chinoreva kuita zvinhu zvekubira kana kucheredza nenzira yokuti uyo ari kuzviitirwa anotadza kuzviona kana kuti nyangwe akazviona haana chaanokwanisa kuita pamusoro pazvo. Vamwe vanoti chirevo ichi chakavamba apo mawuto evasori veCIO vanonzi vairova vasungwa pasi petsoka kuri kuedza kuvanza kuti musungwa akarohwa zvakaomarara. Kunonzi apo vasungwa vairohwa pasi petsoka panguva iyo vaidoshwa nemibvunzo nechinangwa chekuti vadure mhosva dzavaipomerwa. Vanotaura vanoti pasi petsoka hapakasire kuzvimba kana kusara pachitaridza kuti parohwa saka vasori vakasarudza kurova nhengo iyoyi yemuviri.

Kurerutsa Mutauro[chinjirudza | chinjirudza mabviro]