Pfugama
(Redirected from Kupfugamira)
Jump to navigation
Jump to search
Pfugama (Kneel in English) zvinoreva chimiro chokunge munhu akazvitsigisa pamabvi netsoka sezvinoitwa nevamwe kana vachinamata.
Nguva dzinopfugama vanhu[chinja | edit source]
- Kana vachinamata zvikurusei maKristu
- Kana munhu achishanda sokuti mudzimai ari kukuya dovi
- Kana musoja akahwandira muvengi.
Mazwi eBantu[chinja | edit source]
- Vatauri veKinyarwanda neKirundu vanoti gupfukama (to kneel); VaShona vanoti kupfugama.
- Mang'anja vanoti gwada, gwagwada, gogoma (to kneel) vachireva kupfugama kana kugwadama.
- Mururimi rweKikongo vanoti fukama (kneel, to sit in a kneeling position, to prostrate oneself) kureva kupfugama.
- VaGanda vanoti fukamira (to kneel before; kneel upright) kureva kupfugamira.