Anoketa

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuKuketa (Kuona))

Shoko rokuti anoketa (know, see, perceive, skillful) ishoko rechimanje-manje rakatekeshera rinotaura zvizhinji zvinosanganisira: kuva noruzivo, kuona, kuyeuka chawakamboona, kuva nenjere, kuva nehunyanzvi, kutarisa, kupatsanura, kuronga zvichingodaro. Izwi iri rinoshandiswa pakawanda zvokuti chiri nyore kutopa muenzaniso weparinoshandiswa kuti tibate kuti rinorevei.

Kurerutsa Mutauro[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Mupfana Tonde anoketa bhora manje. Apa kutaura kuva nehunyanzvi hwebhora - skillfull.
  • Chipo anoketa Science zvinoshamisa - kureva kuti ane njere dzinokasira kubata zvinodzidziswa - intelligent.
  • Amai vepamhiri apo unovaketa here? Vakaenda kuSouth Africa? Apa kureva kuziva munhu - to know.
  • Muchinda ane rhori iyo wamuketa here, anobva kumaraini kwedu? Apa kuyeuka munhu wawakamboona kare - to recognize.
  • Shingi waiketa here yanga ichitaurwa namudhara? Apa kureva kubata musoro wenyaya kuti inorevei - to perceive.
  • Keta bhachi rakapfekwa nemukomana uyo? - apa kureva kuti tarisa bhachi - to look, see.

Nemamwe matauriro anoreva zvakasiyana, kuketa zvinoreva kupatsanura nokuronga zvinhu kuisa mumapoka anoda kunzi avepo. Muenzaniso wekushanda kweshoko iri ndeaya:

Mitauro yeAfrika[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Nyakyusa inoti keeta (look, watch) vachireva kutarisa. VaNyakyusa vanoti uku-keta (see) kureva kuona.
  • VaNyakyusa vanoti keetesya (make or cause to look) vachireva kutaridza.
  • VaNyakyusa vanoti keetelela (take care of, watch) vachireva kutarisa.