Anoketa
Mataridziko
Shoko rokuti anoketa (know, see, perceive, skillful) ishoko rechimanje-manje rakatekeshera rinotaura zvizhinji zvinosanganisira: kuva noruzivo, kuona, kuyeuka chawakamboona, kuva nenjere, kuva nehunyanzvi, kutarisa, kupatsanura, kuronga zvichingodaro. Izwi iri rinoshandiswa pakawanda zvokuti chiri nyore kutopa muenzaniso weparinoshandiswa kuti tibate kuti rinorevei.
Kurerutsa Mutauro
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Mupfana Tonde anoketa bhora manje. Apa kutaura kuva nehunyanzvi hwebhora - skillfull.
- Chipo anoketa Science zvinoshamisa - kureva kuti ane njere dzinokasira kubata zvinodzidziswa - intelligent.
- Amai vepamhiri apo unovaketa here? Vakaenda kuSouth Africa? Apa kureva kuziva munhu - to know.
- Muchinda ane rhori iyo wamuketa here, anobva kumaraini kwedu? Apa kuyeuka munhu wawakamboona kare - to recognize.
- Shingi waiketa here yanga ichitaurwa namudhara? Apa kureva kubata musoro wenyaya kuti inorevei - to perceive.
- Keta bhachi rakapfekwa nemukomana uyo? - apa kureva kuti tarisa bhachi - to look, see.
Nemamwe matauriro anoreva zvakasiyana, kuketa zvinoreva kupatsanura nokuronga zvinhu kuisa mumapoka anoda kunzi avepo. Muenzaniso wekushanda kweshoko iri ndeaya: