Jedhedhiya

Kubva Wikipedia

Jedhedhiya kana Yedhedhia (Chihebheru: יְדִידְיָה; Jedediah) uye Jedhedhia nderimwe zita ra Mambo Soromoni. Rinoreva kuti Mudiwa wa Jah / Yah. Kureva Mudiwa waMwari. Zita reChishona rinoenderana ne irori ndi Anodiwanashe kana Adiwanashe. Rinoenderana nezita rokuti Jedhedhi (Jeddedi) rinoreva kuti Chikomborero, iro zita rokuti Jedhedhia raive zita rechipiri raSoromoni raakapuhwa na Mwari. Soromoni mwanakomana mupiri wa Mambo Dhavhidhi na Bhatishavi (kana Bhatishebha)