Headlands

Kubva Wikipedia

Headlands inzvimbo iri kumabvazuva kweZimbabwe inowanikwa munzira yekuenda kwaMutare uchibva Harare, pane makiromita anoita mazana namakumi matatu namatanhatu kubva Harare. Munzvimbo umu munogara vanhu vanotaura chiungwe. Inzvimbo yakazara makomo uye inotonhora zvikuru. Headlands inzvimbo inorimwa nekutengeswa fodya, yakasimbiswa nevarungu vaigaramo mugore ra 1891. Mugore ra 1898 njanji yakasvika ichibva Harare. Mhangura yakawanikwa pane chinhambwe chema kiromita anokwana kuita makumi matatu neina. Nzvimbo inonzi Inyathi Mine ( goridhe ne mhangura) irimo mu Headlands.

Headlands iri mudunhu re Makoni ine nzvimbo dzinoipatsanura dzinoti : Mufusire, Eaglenest, Chendambuya, Chinyudze, Mupururu, Maparura, Mayo, Chikore, Tanda, Baddeley, Chinhenga, Tsikada, Nyawaro, Nheta, Mazai, Dewerwi and Nyahowe. Mune zvikoro zvishoma zvowanikwa imomo. Zvepuarimari mune yorkshire, sherenje, tafadzwa, Headlands ne Mount Carmel. Zvesekondari zvinoti Sherenje, Mount Carmel, Chinyudze, st Benedicts ne Tafadzwa. Makoni rinova iro zita re dunhu mutupo we mhuka inonzi Nyati , Shonga, Mhenyu uye imwe yemhuka huru shanu muZimbabwe. Vanoti Nyati Imhenyu-zvichireva kuti nyati mhenyu. Vatongi vekwaMakoni mudunhu re Headlands vaionekwa sevarwi vezvekurwira kodzero dzevanhu kubva kuvachena vaigara munyika.