Gede

Kubva Wikipedia

Shoko rokuti gede (newcomer at school) rinoreva munhu mutsva pachikoro zvikurusei chikoro cheBoarding. Vana vechikoro vanoita musambo wekugededza vanhu vatsva kureva kuvaitira kana kuvaitisa zvinhu kazhinji zvisina kururama zvisingaitirwe vagara pachikoro ichi. Kugededza kunokwanisa kunge kuri kuita hutsinye hwekurova kana kuita zvimwe zvinokonzera kuti munhu mutsva asekwe nevamwe vagarapo kwenguva.

  • Kuvhumbura izwi iri raishandiswa kuzvikoro zveBoarding richinge rinoreva kubvisa chiri kumeso asi maitirwo azvo ari ane hutsinye.

Mamwe Mazwi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Chinya (spitefulness; the tendency or inclination to be spiteful) apa kureva kuita pfini.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Baila vanoti ku vhumbula (to uncover) vachireva kubvisa chakavhara kana kufudugura.