Durajadi Simba

Kubva Wikipedia

Durajadi Simba murume ari muhushangazhi hwemabhanga umo vanoshanda neRoyal Bank. VaSimba mumwe wavana sakuwana vakavamba Bhanga iri. Pari zvino vanoshanda vari mukokeri muRoyal Bank.

VaDurajadi Simba vashanda makore anosvika makumi matatu nematatu (33) muhushangazhi hwemaBhanga. Vakatanga vachishandira Standard Chartered Bank mugore ra1975. Nokufamba kwenguva vakapinda muzvigaro zvikuru zvohutunganiriri nemakambani anoti: Syfrets; First Merchant Bank neFirst Banking Group.

VaSimba vnaobata zvakare vari Mufundisi muKereke yeGlad Tidings muHarare.

Murume uyu ndiye zvakare sakuwana weZambuko Trust rinova sangano rinopa zvikwereti kumabhizinisi madiki muZimbabwe.