Dominic Benhura

Kubva Wikipedia
Chifananidzo chaBenhura chinonzi Swing Me Mama (1995) muSingapore Botanic Gardens

Dominic Benhura muvezi we Zimbabwe akaberekwa mugore ra1968

Benhura akaberekerwa kwaMurewa, kuchamhembe kwakadziva kumabvazuva kweguta reHarare. Akarerwa naamai vake mushure mekunge baba vake vaenda kwamupfiganembwe. Sezvo aive shasha zvakanzi atumirwe kuguta reSosibheri kuti aenderere mberi nezvidzidzo. Ave nemakore gumi ekuberekwa, akanogara nasekuru vake kumasabhabhu eMabvuku uko aigara namukoma vake Tapfuma Gutsa uyo aitove muvezi ane mukurumbira. Benhura akawana hunyanzvi hwekuzvivezera ega kubva kurubatsiro rwaaipa mukoma vake achikwenenzvera zvivezwa zvavo. Akatanga achishanda nematombo madiki asati aenda padombo guru. Akatengesa chivezwa chake chekutanga pamakore gumi nemaviri.

Zvisinei nekusava nerudzidzo rwekuveza, Benhura akatanga kuveza zvikuru paakapedza chikoro.Basa rake rekutanga akariratidza mugore ra1987 pabindu rezvivezwa rekuChapungu. Akabatana nechirongwa chevanyori vekugara ikoko mugore ra1990, akagara kusvika awana imba kuAthlone, muHarare papera makore mashanu. Kuburikidza nepurogiramu akashanda pazvivezwa zvakakura. Panguva iyi akatanga kufamba kunyika dzakasiyanasiyana achienda kumagungano muBotswana, United States, Belgium, Netherlands, Denmark, neGermany . Akatanga kuwedzera simbi pazvivezwa zvake zvematombo.

Benhura anonzi ari muchikamu chechizvarwa chechipiri chevavezi vematombo vemuZimbabwe. Mugore ra2016, akaveza chivezwa chaVaMugabe .